


Makwenzi Inhaka Yakasiirhwa vanhu NeMhondoro, Masvikiro neMakombhwe
Makwenzi epasichigare inhaka yako neni yatakasiyatagamuchidzwa nevakuru vapasi vakatungamira panyama asi vagere nesu kumhepo, machembere, harahwa, vanamai, vanababa nevana vese pamwechete vanofa kuchizvarhwa vamwe zuvanezuva. Saka, kana takureeteka makwara epasichigare ese nevazivi vawo haanazera, mukuru,mudiki, murefu, mupfupi, mukobvu, aripakatinepakati kana mutete chatinotarisa mugonero, murawu, tsika, nemateedzero pamunhu wese anoteedza makwara epasichigare. Pachikwarukwaru chino ndichakurukura muzvidimbuzvidimbu ndichibvira pamisoroyenyaya dzemakwara epasichigare ndichipatsura.
Nhume Yevanhu/ Svikiro Revanhu
Ini ndinonzi Sekuru Ngara. Ndobva mudzinza revaera Nungu Chikandamina Weshanu Uripauta. Ndakayarukira muKadoma kumusha kwangu kuMhondoro kwandakakura ndichidziidzira makwara epasichigare kuna sekuru vangu vainzi Sekuru Mhizha vaivesvikiro rekwaNegombhwe. Ndirimukuyaruka imomo ndokudzidza zvakare kunababa vangu Vainzi VaShambamuto vaive svikiro zvakare. Ndayarukira mumusha wandaidzidza makwara apasichigare ndokupedza chikoro muna 1994 rinova ndirogore rakashaya sekuruvangu vaMhizha vaindidziidzisa makwara apasichigare. Sekuru vangu vashaya ndakazonopedzisirhwa chenuro dzangu dzemidzimuyangu iripandiri nemasvikiro mairi aibata nenzira dzakafanana nedzasekuru vangu. Svikiro rekutanga rainzi Mbuya Soko homwe YaPfumojena ndikokwandakchenurhwa daidzo, hombarume nevashavi. Svikiro rechipiri rainzi Sekuru Wafawanaka/Soko homwe yaVaTsenge Vaigara kuGuruve ndokwandakasimbiswa nekupedzisirhwa makwara angu epasichigare. Ndakatanga kubatsira vazukuru mumashure mekunge ndamboshandirhwa nekuraiwa kwetumakore kuGuruve kwavasekuru vangu VaTsenge. Saka ndirisvikiro rakayarutswa nesvikiro rainzi Negombhwe ndokuzono simbiswa naWafawanaka naVaTsenge kuGuruve. Ndichiteedza mhiko dzekwandakayarutswa nemasvikiro akandiraya, ini ndiri svikiro rinoshandira mhuri yenyika YaMwenemutapa/Zimbabwe. Basa rangu nderekuchenura nekushandira nduramo dzemhuri dzemadzinza ose akapoteredza nyika, nyangwe nevasingazive madzinza avo ndinovashandira zvakare, kwete nenzira yekuti ini ndhini ndingavaudze dzinza ravo, ndinovashandira nenzira yandinoshandira munhu wese wandinobatsira |(Chenga ose manhanga, vakuru vakaraya kare). Ini sesvikiro handipo kuzvirova dundundu ndichizvipembedza pamberi penyu vatano, basa rangu randinobata pamuri ndiro rinofanira kuratidza kuti ndirimukuru anofadza nekugona basa here mumabatiro ake. Mhinduro yemabatiro angu mukugona nemukupotsa inobvakumhepo nekwamuri imi mhuri yematare enyika nemadzinza edu ose. Saka huyai zvenyu kudare makafara. Vakuru vapasi vakati Mwana washe muranda kumwe, zvichireva kuti kana muchiuya zvenyu makazvirerekawo pasina kurerutsana nekuyedzana mzsimba, hongu tinokugamuchirai takafara semuko wedu wapasichigare.
Munhu Anonzi Svikiro Munhu Akamiririra Gwara Ripi Munyika?